Friday 29 August 2014

(Ndipei) Mugove (Wangu) - Leonard Zhakata

vakuru woye ndipeiwo kamukana kangu
ndinyevere vaye vaye
vakawana mukana wekuvepo pamusoro
vakaite mhanza yekukwirepo pamusoro
kwakuchitora mukana uyu sehuchenjeri
wotanga kutsikirira vari pasi
votanga kuchipfira mate vari pasi
kuzvirova dundundu nekuzvitutumadza
ndoti kwete apa vachenjeri marasika

kana wakaberekwa semunhu wese iwe
kana wakadonhawo rukuvhute semunhu wese
pamisoro yose yakati tseketseke nenyika iyi
usazvinyepere usazvifadze nenhema
usazvinyepere usazvifadze nenhema
usazvifurire uchizviita makoya zvese
usazvifurire uchizviita shasha yevose

vaye vaye vaunodzvinyirira
vaye vaye vaunotsikirira
kuchema kwavo munamato mukuru kumatenga
tenzi hakuna anoziva mhinduro
nyangwe nemusi waichauya

deno ndaive ini ndigere paye
deno ndaive ini ndiripo paye
ndairidza huwi
ndodaidzira vamwe vangu
kuno kwabika dopiro vakomana
huya mose huyai munombore

chawawana idya nehama

Haaaaaaa hey
karikoga leonard zhakata
hwesa

kana paine pamakandichengetera baba
ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari
ndisina changuwo
ndinongodzikirirwa
ndinongodzvinyirirwa
ndinongoshandiswa nhando
ndichingofondotswa

moyo wangu unorwadza
kuti nguva dzose ndini wokukarirwa sei tenzi
moyo wangu unorwadza
kuti nguva dzose ndini wekunyengerera sei mambo

deno zvaikwanisika tenzi
maigara matare nengirozi dzenyu
motifuridzira makomborero isu venhamo

amai vangu vanoda kutendawo
havachaziva nekudeketera mutupo wangu
ndovapeiko amai vangu vagonditendawo
maita moyo ndizvo
maitaka vadzimba
maitaka neshungu varozvi vakapera nenda

kana paine pamakandichengetera baba
ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari
ndisina changuwo
ndinongodzikirirwa
ndinongodzvinyirirwa
ndinongoshandiswa nhando
ndichingofondotswa

zino irema varume woye
vanosekerera sevanondida
asi mukati vachidzimbikana
kundiona ndichiseva muto
vanofara kundiona ndichitemura
vanofara kundiona ndakapfeka madhumbu
wanoda ndirarame zvekupemha
hutsinye chete vanoda kuguta kwavo

No comments:

Post a Comment