Saturday 29 November 2014

rugare - marshall munhumumwe and the four brothers


rugare dai uchiziva
matsvakiro andokuita
waindinzvira tsitsi

vamwe vanoingwa
nehupfumi kunge nhunzi
pano panyika

asi kwandiri
unobhururuka
uchitiza kunge shiri

rugare otsvaka
nani nani
wese munhu pano pasi

rugare dai uchiziva
matsvakiro andokuita
waindinzvira tsitsi

vamwe vanoingwa
nehupfumi kunge nhunzi
pano panyika

asi kwandiri
unobhururuka
uchitiza kunge shiri

rugare otsvaka
nani nani
wese munhu pano pasi

kasi iwe
haumbobatika unenge
mwedzi wechirimo

vokuwana vashoma kwazvo
vanokushaya
tisu vazhinji

rugare
uri jena guru
unodiwa nevanhu vose

huya undinunure
nhai rugare
hona ndachembera ndichikutsvaga

ndichakuwana rinhiko
nhai rugare
ini ndave hari yofanzirofa

huya ndikusiire vana vanguwo
ugare navo
mazuva ose

huya undinunure
nhai rugare
hona ndachembera ndichikutsvaga

ndichakuwana rinhiko
nhai rugare
ini ndave hari yofanzirofa

huya ndikusiire
vana vanguwo
ugare navo mazuva ose

rugare
nhai rugare
rugare nhai rugare

huya undinunure
nhai rugare
hona ndachembera ndichikutsvaga

ndichakuwana rinhiko
nhai rugare
ini ndave hari yofanzirofa

huya ndikusiire
vana vanguwo
ugare navo mazuva ose

huya undinunure
nhai rugare
hona ndachembera ndichikutsvaga
ndichakuwana rinhiko
nhai rugare
ini ndave hari yofanzirofa

huya ndikusiire
vana vanguwo
ugare navo mazuva ose

rugare
nhai rugare
rugare nhai rugare

huya undinunure
nhai rugare
hona ndachembera ndichikutsvaga
ndichakuwana rinhiko
nhai rugare
ini ndave hari yofanzirofa

huya ndikusiire
vana vanguwo
ugare navo mazuva ose

rugare
nhai rugare
rugare nhai rugare

rwendo - marshall munhumumwe and the four brothers



uchaenda wega iwe
ndichaenda ndega ini

muchaenda mega imi
ndichaenda ndega ini

nzendo dzedu dzepasi pano
tinoperekedzana

nzendo dzedu dzepasi pano
tinoperekedzana

tichikurukuraka
nehama neshamwari

tichikurukuraka
nehama neshamwari

tichikurukura
zvakanaka nezvakaipa

pane rwendo rumwe chete
rusinga perekedzanwe

pane rwendo rumwe chete
rusinga perekedzanwe

rwendo rwekudenga
haruperekedzanwe

rwendo rwekupedzesera
haruperekedzanwe

rwendo rwekudenga
haruperekedzanwe

rwendo rwekupedzesera
haruperekedzanwe

haruna hurukuro
haruna pfakazi

haruna hurukuro
haruna pfakazi

uchaenda wega iwe
ndichaenda ndega ini

muchaenda mega imi
ndichaenda ndega ini

uchaenda wega iwe
ndichaenda ndega ini

muchaenda mega imi
ndichaenda ndega ini

nzendo dzepasi pano
tinoperekedzana

tichikurukuraka
nehama neshamwari

tichikurukura
zvakanaka nezvakaipa

pane rwendo rumwe chete
rusinga perekedzanwe

rwendo rwekudenga
haruperekedzanwe

rwendo rwekupedzesera
haruperekedzanwe

haruna hurukuro
haruna pfakazi

uchaenda wega iwe
ndichaenda ndega

muchaenda mega imi
ndichaenda ndega ini

uchaenda wega
shuwa uchaenda wega iwe

ndichaenda ndega
shuwa ndichaenda ndega ini

muchaenda mega
shuwa muchaenda mega imi

uchaenda wega
shuwa uchaenda wega iwe

ndichaenda ndega
shuwa ndichaenda ndega ini

muchaenda mega
shuwa muchaenda mega imi

pfimbi yangu - marshall munhumumwe and the four brothers


ndine pfimbi yangu
yemashoko
isingabiwe kana nani zvake

ndine pfimbi yangu
yemashoko
isingabiwe kana nani zvake

pfimbi yacho iyi
ihana yangu iyi inondichengetera
mashoko anokosha

pfimbi yacho iyi
ihana yangu iyi inondichengetera
mashoko anokosha

kuwana akanditadzira
ndakangozvipfimbika
mupfimbi yangu isingabiwe

kuwana akanditadzira
ndakangozvipfimbika
mupfimbi yangu isingabiwe

kuwana angazive chete
zviri mupfimbi yangu
ndiye wandinonda wandinovimba naye

kuwana angazive chete
zviri mupfimbi yangu
ndiye wandinonda wandinovimba naye

hana yangu ipfimbi yangu
isina buri
chandapfigira ndapfigira

hana yangu ipfimbi yangu
isina buri
chandapfigira ndapfigira

hana yangu iyi
ipfimbi yangu
inondichengetera mashoko anokosha

hana yangu iyi
ipfimbi yangu
inondichengetera mashoko anokosha

ndine pfimbi yangu
yemashoko
isingabiwe kana nani zvake

pfimbi yacho iyi ihana yangu iyi
inondichengetera
mashoko anokosha

kuwana akaditadzira
ndakangozvipfimbika
mupfimbi yangu isingabiwe

kuwana angazive chete
zviri mupfimbi yangu
ndiye wandinonda wandinovimba naye

hana yangu iyi ipfimbi yangu
isina buri
chandapfigira ndapfigira

hana yangu iyi
ipfimbi yangu inondichengetera
mashoko anokosha

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini

hana yangu iyi
ipfimbi yangu baba
inondichengetera mashoko anokosha ini


pahukama - marshall munhumumwe and the four brothers


mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

hukama hukama
chete kaniwe uri wangu

hukama hukama
chete kani iwe ndiri wako

hukama hukama
chete kaniwe uri wangu

hukama hukama
chete kani iwe ndiri wako

mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

hukama hukama
chete kaniwe uri wangu

hukama hukama
chete kani iwe ndiri wako

hukama hukama
chete kaniwe uri wangu

hukama hukama
chete kani iwe ndiri wako

hukama haugezwe
nesipo setsvina

uri wangu weropa
iwewe pahukama

hukama haubviswe
nesipo setsvina

ndiri wako weropa
inini pahukama

hukama haugezhwe
nesipo setsvina

ndiri wako weropa
inini pahukama

kana takavhiringana
tinorwira mukaka wedu

pachedu imi vatorwa imi
imi pahukama

kana takavhiringana
tinorwira mukaka wedu

pachedu imi vatorwa imi
imi pahukama

musi wenhamo
tinochemana ini newe

musi wenhamo
tinochemana ini newe

musi wenhamo
tinochemana ini newe

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

mwana wamai vangu
kaniwe tisavengane

mwana wababa vangu
kaniwe tisazvondane

hukama hukama
chete kaniwe uri wangu

hukama hukama
chete kani iwe ndiri wako

hukama haugezwe
nesipo setsvina

uri wangu weropa
iwewe pahukama

hukama haubviswe
nesipo setsvina

ndiri wako weropa
inini pahukama

hukama haugezhwe
nesipo setsvina

ndiri wako weropa
inini pahukama

kana takavhiringana
tinorwira mukaka wedu

pachedu imi vatorwa imi
imi pahukama

kana takavhiringana
tinorwira mukaka wedu

pachedu imi vatorwa imi
imi pahukama

musi wenhamo
tinochemana ini newe

musi wenhamo
tinochemana ini newe

musi wenhamo
tinochemana ini newe

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

hona ihe ihe
hona ihe ihe
pahukama

ndatove muranda - marshall munhumumwe and four brothers


huya ndikutaurire
mukoma
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

huya ndikutaurire
munin'ina
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

mukoma
ndatove muranda
pamusha pangu ini
ndinoda uzvizive
kana ndozofa ini

munin'ina
ndarumwa nechekuchera
kana pekuti bufu
iye zvino ndashaya
pamba pangu here

mukadzi
haanditeerere
anoita zvose zvaanoda
nhasi wonditonga
pamusha pangu here

chinonyenga chinohwaridza
chino simudza
musoro chawana
nhasi atove mambo
pamusha pangu here

huya ndikutaurire
mukoma
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

huya ndikutaurire
munin'ina
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

huya ndikutaurire
mukoma
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

mukoma
ndatove muranda
pamusha pangu ini
ndinoda uzvizive
kana ndozofa ini

munin'ina
ndarumwa nechekuchera
kana pekuti bufu
iye zvino ndashaya
mumba pangu here

mukadzi
haanditeerere
anoita zvose zvaanoda
nhasi wonditonga
pamusha pangu here

chinonyenga
chinohwarira chino simudza
musoro chawana
nhasi atove mambo
pamusha pangu here

huya ndikutaurire
mukoma
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini

huya ndikutaurire
munin'ina
huya ndikutaurire
huya ndikutaurire iwe
kana ndozofa ini