Sunday 24 August 2014

Maiti Kurima Hamubvire - Thomas Mapfumo

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvakamataura

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvakamataura

kwapera mazuva mangani sekuru woye
hona takamirira zvamakataura

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvamakavimbisa

maiti kurima hakunetse
muchiti kurima inyore

maiti kurima inyore
maiti kurima hakunetse

maiti mombe hamushaye
muchiti gejo munaro

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

muchiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

maidza henyu zviro chokwadi
kufunga kwenyu kwakarasika

mai vemwana zvaite musha
tozvireva takamirepi

chimbo chako chimbo chenhamo varume woye
chinoimbwa takaminama

maiti kurima inyore
maiti kurima hakunetse

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

maiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

muchiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

No comments:

Post a Comment