Thursday 14 August 2014

Kundiso - Leonard Zhakata

kana iriyo raramiro yacho
marwadzo mupfungwa nepamweya
handigagaro ridza tsamwa
ndoshuwa zororo remwoyo
tenzi ndipeiwo kundiso

kana iriyo raramiro yacho
marwadzo mupfungwa nepamweya
handigagaro ridza tsamwa
ndoshuwa zororo remwoyo
tenzi ndipeiwo kundiso

zvandiremera
ndasimudza maoko
ndapeta muswe
ndazvidukupisa

zvandiremera
ndasimudza maoko
ndapeta muswe
ndazvidukupisa

saka mosara zvakanaka
vakomana imi
ini ndafuratira
machinda

Mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi

mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
vakomana imi
mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira

machinda
mosara zvakanaka
ini ndapira gotsi

hazvineiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiii

kandaka nhonga
moturikawo
kandakakutaka
muchinhonga

kandaka nhonga
moturikawo
kandakakutaka
muchinhonga

chinobhurutruka
chinomhara
asi shungu dzerwizi
rwakazove mvura

chinobhurutruka
chinomhara
asi shungu dzerwizi
rwakazove mvura

angu mashoko
rongedzai
muchazoa dudzura
nerimwe gore

angu mashoko
rongedzai
muchazoa dudzura
nerimwe gore

moona kunatsa
kwangu ndisisipo
asi ndiripo uchinge
mutadzi mukuru

moona kunatsa
kwangu ndisisipo
asi ndiripo uchinge
mutadzi mukuru

nerangu izwi
ngaripinde munzeve
mogoripawo
pekugara muhana

nerangu izwi
ngaripinde munzeve
mogoripawo
pekugara muhana

hazvineiiiiiiiiiiiiiii

vakomana imi
mosara zvakanaka
machinda
ini ndafuratira

mosara zvakanaka
pamusha pano
ini ndafuratira
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
vakomana imi

mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira
pamusha pano
mosara zvakanaka
zvakanaka ini ndapira gotsi

hazvineiiiiiiiiiiiiiiii
tarisiro hadzisi dzose dzinobuda
ndizvo zvinoita hupenyu
tarisiro hadzisi dzose dzinobuda
ndizvo zvinoita hupenyu

panokonwa chiremba
murapwi achida
zvakaoma
sekufema mumvura

panokonwa chiremba
murapwi achida
zvakaoma
sekufema mumvura

tushomatwo twandaona
netushomatwo twandabata
tushomatwo twandaona
netushomatwo twandabata

ndototenda kumatenga
sokuti handina chekutonga panyika
ndototenda kumatenga
sokuti handina chekutonga panyika

ini ndine huranda
husina magumo
ndotochema kumatenga
ndati ndine huranda
husina magumo

ndotochema kumatenga
baba nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema

baba nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema
tenzi nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema

tenzi nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema
hazvineiiiiiiiiiiiiiiiiiiii - Leonard Zhakata

No comments:

Post a Comment