Tuesday 26 August 2014

Muchiti Mugere - James Chimombe

kana usisade nezvangu
usandinyare ndiudzewo ndapota
pane kuti undiite munhu wako
wandioneiko ndiudze ndapota
kana waneta nezvangu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashura
washoreiko ndiudze ndapota

kana nzira yafunga kure
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiite dimikira
washayeiko ndiudze ndapota
kurambwa hakuna kutanga neni
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashiripiti
wanyareiko ndiudze ndapota

ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa kare kare
zuva nezuva tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare
ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa makei
gumi remakore tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare

heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie
honai nhai
hee iyeie

kana waneta nezvangu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashura
wafungei ndiudze ndapota
kurambana hakuna kutanga nesu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire dimikira
zvaita seiko ndiudze ndapota

ah munenge muchiti mugere
gamba makarambana kare kare
zuva nezuva muri mose
rudo rwakapwa setsime
munenge muchiti mugere
gamba makaramana makei
gumi remakore muri mose
gamba makarambana kare kare

heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie
honai nhai
heee mai juniya

ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa kare kare
zuva nezuva tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare
ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa makei
gumi remakore tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare

1 comment:

  1. Ndaikumbirawo kaye kanonzi munakandafa ndaizofara ndikamawana

    ReplyDelete