Sunday 31 August 2014

Hondo - Simon Chimbetu

hondo ine ropa
rufu kuparadza matambudziko
mukati mehondo
usatanga imwe hondo

seiko uchitanga imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo
seiko uchitanga imwe hondo

imi muchapera tese tinopera
vana vevamwe vanopera
tichasvitsana kwemakore
usatanga imwe hondo

seiko uchitanga imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo
seiko uchitanga imwe hondo

hondo ine ropa
rufu kuparadza
matambudziko
mukati mehondo

usatanga imwe hondo
chokwadi usatanga imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo

iii usatanga imwe hondo
hondo ine ropa
mumwe wangu wee
chokwadi usatanga imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo

imi muchapera tese tinopera
vana vevamwe vanopera
tichasvitsana kwemakore
usatanga imwe hondo

chokwadi usatanga imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo
chokwadi usatanga imwe hondo

heyi eyi eyi eyi

hondo ine ropa
rufu kuparadza matambudziko
mukati mehondo
usatanga imwe hondo

chokwadi usavamba imwe hondo
mumwe wangu wee
wafunga imwe hondo
iiiii usatanga imwe hondo

imi muchapera tese tinopera
vana vevamwe vanopera
tichasvitsana kwemakore
usatanga imwe hondo

iiiii wafunga imwe hondo
mumwe wangu wee
usatanga imwe hondo
chokwadi usavamba imwe hondo

hoya hoya eyi

Gomo Risina Michero-Simon Chimbetu

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina miti
gomo renhamo

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina miti
gomo renhamo

vamwe vachifamba kune matamba
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

vamwe vachifamba kune mayumhu
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

vamwe vachifamba kune maroro
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

vamwe vachifamba kune tsambatsi
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

shamwari yangu ndaitamba naye
agere zvakanaka
ndaitamba naye
tichifudza tose mombe kumaruwa

shamwari yangu agere mushe
agere zvakanaka
ndaitamba naye
tichifudza tosde mombe kumaruwa

uye uye ndairoja naye
akatenga imba
yakanaka
ndairoja naye eeeh

uye uye ndairoja naye
akatenga imba
yakanaka
ndiaroja naye eeeh

shamwari yangu ndosenza nayo
akatenga mota
yakanaka
ndoshanda naye eeh

shamwari yangu ndoshanda nayo
akatenga mota
yakanaka
ndoshanda naye

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

gomo negomo chete
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

shamwari yangu ndaitamba naye
agere zvakanaka
ndaitamba naye
tichifudza tose mombe kumaruwa

shamwari yangu ndairoja naye
akatenga imba
yakanaka
ndairoja naye

shamwari yangu ndosenza nayo
akatenga mota
yakanaka
ndosenza naye

gomo gomo
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

gomo negomo chete
hupenyu hwangu
hunokwira gono risina michero
gomo renzara

Kutambura - Biggie Tembo & Bhundu Boys

tagara patafura
mhai mapakura here mutakura
baba tayaura nekusakura
chibage chakura

takanoraura hove kurwizi
dzaramba kudyira
baba tayaura nekusakura
kwasara kukohwa

hona kutambura
kuri pano pamusha hamukuone
hona kunetseka
kuri pano pamusha hamukuone

hamunete here vanangu kutaura
kutaura hamunete
hoo hamunete here vanangu kutaura
kutaura hamunete

hamudi sei kushaura rwiyo
kushaura rwiyo hamudi seiko
hoo hamudi sei kushaura rwiyo
kushaura rwiyo hamudi seiko

hona kutambura
kuri pano pamusha hamukuone
hona kunetseka
kuri pano pamusha hamukuone

tichafura sora
padikidiki mangwana mangwana
kuchema chema nzara
sungai dzisimbe

tichafura sora
padikidiki mangwana mangwana
kuchema chema nzara
sungai dzisimbe

tagara patafura
mhai mapakura here mutakura
baba tayaura nekusakura
chibage chakura

takanoraura hove kurwizi
dzaramba kudyira
baba tayaura nekusakura
kwasara kukohwa

hona kutambura
kuri pano pamusha hamukuone
hona kunetseka
kuri pano pamusha hamukuone

hamunete here vanangu kutaura
kutaura hamunete
hoo hamunete here vanangu kutaura
kutaura hamunete

hamudi sei kushaura rwiyo
kushaura rwiyo hamudi seiko
hoo hamudi sei kushaura rwiyo
kushaura rwiyo hamudi seiko

hona kutambura
kuri pano pamusha hamukuone
hona kunetseka
kuri pano pamusha hamukuone

tichafura sora
padikidiki mangwana mangwana
kuchema chema nzara
sungai dzisimbe

Friday 29 August 2014

(Ndipei) Mugove (Wangu) - Leonard Zhakata

vakuru woye ndipeiwo kamukana kangu
ndinyevere vaye vaye
vakawana mukana wekuvepo pamusoro
vakaite mhanza yekukwirepo pamusoro
kwakuchitora mukana uyu sehuchenjeri
wotanga kutsikirira vari pasi
votanga kuchipfira mate vari pasi
kuzvirova dundundu nekuzvitutumadza
ndoti kwete apa vachenjeri marasika

kana wakaberekwa semunhu wese iwe
kana wakadonhawo rukuvhute semunhu wese
pamisoro yose yakati tseketseke nenyika iyi
usazvinyepere usazvifadze nenhema
usazvinyepere usazvifadze nenhema
usazvifurire uchizviita makoya zvese
usazvifurire uchizviita shasha yevose

vaye vaye vaunodzvinyirira
vaye vaye vaunotsikirira
kuchema kwavo munamato mukuru kumatenga
tenzi hakuna anoziva mhinduro
nyangwe nemusi waichauya

deno ndaive ini ndigere paye
deno ndaive ini ndiripo paye
ndairidza huwi
ndodaidzira vamwe vangu
kuno kwabika dopiro vakomana
huya mose huyai munombore

chawawana idya nehama

Haaaaaaa hey
karikoga leonard zhakata
hwesa

kana paine pamakandichengetera baba
ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari
ndisina changuwo
ndinongodzikirirwa
ndinongodzvinyirirwa
ndinongoshandiswa nhando
ndichingofondotswa

moyo wangu unorwadza
kuti nguva dzose ndini wokukarirwa sei tenzi
moyo wangu unorwadza
kuti nguva dzose ndini wekunyengerera sei mambo

deno zvaikwanisika tenzi
maigara matare nengirozi dzenyu
motifuridzira makomborero isu venhamo

amai vangu vanoda kutendawo
havachaziva nekudeketera mutupo wangu
ndovapeiko amai vangu vagonditendawo
maita moyo ndizvo
maitaka vadzimba
maitaka neshungu varozvi vakapera nenda

kana paine pamakandichengetera baba
ndinokumbirawo mugove wangu ndichiri kurarama tenzi
tarirai ndosakadzwa sechipfeko nevane mari
ndisina changuwo
ndinongodzikirirwa
ndinongodzvinyirirwa
ndinongoshandiswa nhando
ndichingofondotswa

zino irema varume woye
vanosekerera sevanondida
asi mukati vachidzimbikana
kundiona ndichiseva muto
vanofara kundiona ndichitemura
vanofara kundiona ndakapfeka madhumbu
wanoda ndirarame zvekupemha
hutsinye chete vanoda kuguta kwavo

Hatisi Tose - Bhundu Boys

zvamaenda kumusha
muchinge masvikako kumusha
monoudza amai nababa
babamukuru neshamwari dzangu
handichadanana nachipo
hatisi tose nachipo

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
monouya nemhinduro
mozondiudza zvavanotaura
mbatya dake dzose wakatora
vana vangu akatora
chandaitadza ndachishaya
chandaitadza ndachishaya

zvamaenda kumusha
muchinge masvikako kumusha
monoudza amai nababa
babamukuru neshamwari dzangu
handichadanana nachipo
hatisi tose nachipo

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
monouya nemhinduro
mozondiudza zvavanotaura
chipo chokwadi ndaimuda
kana iyewo aindida
chatakatadzirana handichaziva
handichaziva ndakanganwa

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
monouya nemhinduro

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
monouya nemhinduro

pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka
pamunonodzoka

Chati Huwi (musatye) - Newman Chipeni

vabereki woye makandibereka
vakuru vakati chishoshodzwa chachitiyo
chauya chauya ndave kutetereka
vakoma vakaenda ngoma ndiyo ndiyo

kuvhima ndichidzoka hwema hunorasika
regai ndinogariramo mutsoka
machise kwete moto ndinosika
shangu ndipei ndingatsike nyoka

chati huwi musatye
ndakahwanda mubako
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
kuhope ndirere

chati huwi musatye
ndakahwanda mubako
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya naye werudo nerunako

nzizi ndinoshambira
shumba miseve  ndarodza
ridzai mbira
ndimwe mukombe wangu wenzira
ndinogarirei hadzvadzi makaroodza

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
ndichauya werudo nerunako
hadzvadzi

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
ndichauya werudo nerunako

nzizi ndinoshambira
shumba miseve  ndaroodza
ridzai mbira
ndimwe mukombe wangu wenzira
ndinogarirei hadzvadzi makaroodza

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
yu yu yu

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
naye werudo nerunako
yu yu yu yu ha ndichauya

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
yu yu yu

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
naye werudo nerunako
yu yu yu ha ndichauya

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
yu yu yu

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
ndichauya naye werudo nerunako
yu yu yu ha ndichauya

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya
ndichauya naye werudo nerunako
ha ndichaiuya

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
yu yu yu

chati huwi musatye
musatye
ndakahwanda mubako
yu yu yu
ndangariro dzenyu ndinodzinzwa
ndinodzinzwa
kuhope ndirere
ndichauya

Thursday 28 August 2014

Ndipei Kutenda - Mercy Mutsvene

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

abraham nasarah
vakanga vakwegura
asi nekutenda netariro
vakawana chipo ichi

abraham nasarah
vakanga vakwegura
asi nekutenda netariro
vakawana chipo ichi

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu
handingamirire nguva yevanhu

ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu
handingatarise kutaura kwevanhu

ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndipei kutenda
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda tariro
ndimirire nguva yenyu

ehehehehe ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
aahhh ndoda kutenda
ndimirire nguva yevanhu

ehehehehe ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

angava makore
kana mwedzi mazuva
handingamiriri nguva yavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndimirire nguva yenyu

angava makore
mwedzi kana mazuva
ngandisatarira nguva yavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndimirire nguva yenyu

ndoda kutenda
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

handingamirire nguva yavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

handingatarise kutaura kwavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndipei kutenda
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda tariro
ndimirire nguva yenyu

eeeh ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
aaahh ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

eeeeh ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndoda kutenda
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

handingamirire nguva yavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

handingatarise kutaura kwavanhu
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

ndipei kutenda
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda tariro
ndimirire nguva yenyu

eeeh ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
aaahh ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

eeeeh ndoda tariro
ndipei kutenda
ndipei tariro
ndoda kutenda
ndimirire nguva yenyu

Ndinovimba Nemi - Mercy Mutsvene

ndinovimba
ini ndinovimba newe jesu wangu
ndinovimba
wandisimudza netsitsi muhupenyu wangu
netsitsi
matambudziko angu anozivikanwa newe
ohhhhhh
ohhh ishe wangu
ndinovimba
ndinovimba newe

ndinovimba
ini ndinovimba newe jesu wangu
ndinovimba
wandisimudza netsitsi muhupenyu wangu
matambudziko
matambudziko angu anozivikanwa newe
ohh baba
ohh ishe wangu
ndinovimba newe

mwari waabraham
ndinochema kwamuri
ndinoda mhinduro nenyasha huru kwazvo
nepfungwa dzangu dziwane zororo
mifungo isingaperi
ohh ishe wangu
ndinovimba newe

bata rurimi rwangu rusataura zvakaipa
mudzivirira zvakaipa zvonditevera
isa runyararo
isa runyararo muhupenyu hwangu
ohhh
ishe wangu
ndinovimba newe

bata
bata rurimi rwangu rusataura zvakaipa
dzivirira
dzivirira zvakaipa zvonditevera
isa runyararo
isa runyararo muhupenyu hwangu
ohhh
ohh ishe wangu
ndinovimba newe

imi makabvisa kushorwa
mukatiita vanhu pavanhu
rufu rwakapinda rukatora
naani nani
ndinovarangarira
ndinovarangarira
asi ndinoziva vagere nemi
kwamuri ishe wangu

ndinovimba
ini ndinovimba newe jesu wangu
ndinovimba
wandisimudza netsitsi muhupenyu wangu
netsitsi dzenyu
matambudziko angu anozivikanwa newe
ohhhhhh baba
ohhh ishe wangu
ndinovimba
ndinovimba newe

ndinovimba
ini ndinovimba newe jesu wangu
ndinovimba newe
wandisimudza netsitsi muhupenyu wangu
netsitsi dzenyu Jesu
matambudziko angu anozivikanwa newe
ohhh ishe wangu
ndinovimba
ndinovimba newe

bata
bata rurimi rwangu rusataura zvakaipa
zvinonyadzisa
dzivirira zvakaipa zvonditevera
zvinonditevera
isa runyararo muhupenyu hwangu
ohhh baba
ohh ishe wangu
ndinovimba
ndinovimba newe

bata
bata rurimi rwangu rusataura zvakaipa
zvinonyadzisa
dzivirira zvakaipa zvonditevera
isa
isa runyararo muhupenyu hwangu
ohhh baba
ohh ishe wangu
ndinovimba newe

Madzongonyedze - Oliver Mtukudzi

ummmmmmmmm
ohoooooooo
rufu ndimadzongonyedze
anouya ndisingafungire mambo
tisingafungire mambo
ndimadzongonyedze chete baba
rufu ndimadzongonyedze
pane vakayanana
rufu ndimadzongonyedze
pane vanodanana
vanodanana
rufu ndimadzongonyedze
pane vakayanana
rufu ndimadzongonyedze
pane vanodana

watora mai
apo ndisekuru
vana vanochema
mhuri yongopunyaira
vanochemeiko ava
ndimadzongonyedze chete baba
rufu ndimadzongonyedze
pane vakayanana
rufu ndimadzongonyedze
pane vanodanana
vanodanana
rufu ndimadzongonyedze
madzongonyedze
dzongonyedze
rufu ndimadzongonyedze
baba pane vanodana


apo anouya kotora tuzukuru
apo anouya hakuna anonyinura
vakuru navaduku vanochema
ndimadzongonyedze chete babawe kani
rufu ndimadzongonyedze
aah yanana
rufu ndimadzongonyedze
pane vanodana
vanodanana
rufu ndimadzongonyedze
madzongonyedze

aahhhh
rufu ndimadzongonyedze
baba pane vanodana

watora mai
apo ndisekuru
vana vanochema
mhuri yongopunyaira
vanochemeiko kani
ndimadzongonyedze chete
amaiii heya
rufu ndimadzongonyedze
dzongonyedze 

rufu ndimadzongonyedze
baba
pane vanodana
vanodanana 

Baba vanodanana 
vanodanana
amaai
nhai amai
amai kani
yowe amai
rufu ndimadzongonyedze
a a a a a a a
awu awu awu amai amai 

rufu ndimadzongonmyedze
rufu ndimadzongonyedze
vanodanana baba
vanodanana
vanodanana
rufu ndimadzongonyedze
amaai
nhai amai
amai kani
yowe amai

Tuesday 26 August 2014

Muchiti Mugere - James Chimombe

kana usisade nezvangu
usandinyare ndiudzewo ndapota
pane kuti undiite munhu wako
wandioneiko ndiudze ndapota
kana waneta nezvangu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashura
washoreiko ndiudze ndapota

kana nzira yafunga kure
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiite dimikira
washayeiko ndiudze ndapota
kurambwa hakuna kutanga neni
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashiripiti
wanyareiko ndiudze ndapota

ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa kare kare
zuva nezuva tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare
ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa makei
gumi remakore tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare

heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie
honai nhai
hee iyeie

kana waneta nezvangu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire mashura
wafungei ndiudze ndapota
kurambana hakuna kutanga nesu
usandinyare ndiudze ndapota
pane kuti undiitire dimikira
zvaita seiko ndiudze ndapota

ah munenge muchiti mugere
gamba makarambana kare kare
zuva nezuva muri mose
rudo rwakapwa setsime
munenge muchiti mugere
gamba makaramana makei
gumi remakore muri mose
gamba makarambana kare kare

heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie honai nhai
heeee iyeie
honai nhai
heee mai juniya

ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa kare kare
zuva nezuva tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare
ah kana kuti ini ndigere
gamba ndakarambwa makei
gumi remakore tiri tose
gamba ndakarambwa kare kare

Kudakwashe - James Chimombe

zvandapiwa nashe
ndino gamuchira
handirambe
hoooo ndinotora
handirambe

zvandapiwa nashe
ndino gamuchira
chipo chandapiwa
hoooo ndinotora
handirambe nhai

kudakwashe kwairambwa
ndiani aida kufa
hapana
hoooo ndinotora
handirambe nhai

kudakwashe kwairambwa
ndiani aida kufirwa
hapana
hoo ndinotora
handirambe

zvandapihwa nashe
ndino gamucira
handirambe
hooo ndinotora
handirambe

zvandapihwa nashe
ndino gamuchira
hazvirambike
hooo ndinotora
handirambe nhai

kudakwashe kwairambwa
kungadai kusina mapofu
ndinotora
handirambe

kudakashe kwairambwa
kungadai kusina mapofu
ndinotora
kudakwashe
hazvina mhosva

hoo nhai
kudakwashe kwairambwa
kungadai kusina mhetamakumbo
ndinotora handirambe nhai

kudakwashe kwairambwa
kungadai kusina mazunungurwa
nidnotora
handirambe

zvandapiwa nashe
ndino gamuchira
handirambe
hoooo ndinotora
handirambe

zvandapiwa nashe
ndino gamuchira
hazvirambike
hoooo ndinotora
handirambe
hazvina mhosva

Sunday 24 August 2014

Mamvemve (Musha waita matsotsi) - Thomas Mapfumo

musha wenyu wamaichemera 
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

chipo chipo iwe
bereka mwana tiende

jani jani iwe
bereka mwana tiende

laiza laiza iwe
bereka mwana tiende

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

chipo chipo iwe

bereka mwana tiende

jani jani iwe
bereka mwana tiende

laiza laiza iwe
bereka mwana tiende

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

musha wenyu wamaichemera
hona waita mamvemve

chipo chipo iwe

bereka mwana tiende

jani jani iwe
bereka mwana tiende

laiza laiza iwe
bereka mwana tiende




musha wenyu wamaichemera
hona waita matsotsi

musha wenyu wamai chemera
hona waita matsotsi

musha wenyu wamaichemera
hona waita matsotsi


musha wnyu wamaichemera
hona waita matsotsi

Maiti Kurima Hamubvire - Thomas Mapfumo

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvakamataura

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvakamataura

kwapera mazuva mangani sekuru woye
hona takamirira zvamakataura

kwapera makore mangani vakuru woye
hona takamirira zvamakavimbisa

maiti kurima hakunetse
muchiti kurima inyore

maiti kurima inyore
maiti kurima hakunetse

maiti mombe hamushaye
muchiti gejo munaro

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

muchiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

maidza henyu zviro chokwadi
kufunga kwenyu kwakarasika

mai vemwana zvaite musha
tozvireva takamirepi

chimbo chako chimbo chenhamo varume woye
chinoimbwa takaminama

maiti kurima inyore
maiti kurima hakunetse

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

maiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

maiti kurima inyore
muchiti kurima hakunetse

muchiti mombe munadzo
muchiti gejo munaro

Chipo Changu - Thomas Mapfumo

chipo ndechangu
chandakapiwa
navamatenga
baba vengosi

kana ndakarangarira
zvose zvamakatiitira
handikangwewo mambo
zvipo zvamakatipa
imi makatisikawo
chipo chekutanga
mukatifananidza nemi
chipo chechipiri
mukataipa pfungwa shanu
chipo chechitatu
chipo ndechangu
chipo ndechangu
chandakapihwa
navamatenga
baba vengosi
kana ndikaenda kure
ndimi munondichengeta
handikanganwewo mambo
zvose zvamakatiitira
imi makatipa zvipo
hona tinomutenda
imi makatisikawo
chipo chekutanga
mukatifananidza nemi
chipo chechipiri
mukatipa pfungwa shanu
chipo chechitatu
chipo ndechangu
chipo ndechangu
chandakapihwa
navamatenga
baba vengosi
kana ndikaenda kure
ndimi munondichengeta
handikanganwewo mambo
zvose zvamakatiitira
imi makasika zvipo

Jojo - Thomas Mapfumo

Nyaya dzenyika
jojo chenjera

Nyaya dzenyika
jojo chenjera

ndakuyambira
jojo chenjera

ndakuyambira
jojo chenjera

siya zvenyika
jojo unozofa

nyaya dzenyika
dzine makuva

jojo
siyana nazvo

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
nyaya dzenyika

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
tafirenyika

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
unoroyiwa

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa
nyaya dzenyika

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
siyana nazvo

haiwiawa ajojop
unozofa

haiwaia
jojo

mwana wenyu waenda
musingafungire

mwana wenyu waenda
musingafungire

zvenyika wapondwa
musingafungire

zvenyika wapondwa
musingafungire

ndakambokuudza
siya zvenyika

ndakambokuudza
siya zvenyika

nhasi tiri kuchema
shamwari zvenyika

saka ndati
kwauri

jojo
siyana nazvo

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
nyaya dzenyika

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
siya zvenyika

haiwaiwa
jojo unozofa

haiwaiwa jojo
unoroyiwa

haiwaiawa
jojo unozofa

haiwaiwa jojo
pasi pedenga

haiwaiwa jojo
unozofa

ndati zvenyika
jojo chenjera

ndati zvenyika
jojo chenjera

ndakuyambira
jojo chenjera

ndakuyambira
jojo chenjera

vazhinji vakaenda
pamusoro penyika

vakafunda vakapondwa
pamusoro penyika

vakafunda vakapondwa
pamusoro penyika

vadiki vakapondwa
pamusoro penyika

vadiki vakapondwa
pamusoro penharo

vanamai vanochema
pamusoro penyika

vanamai vanochema
pamusoro penyika

mhuri dzakatsakatika
pamusoro penyika

mhuri dzakatsakatika
pamusoro penyika

saka ndati kwauri
shamwari yangu

jojo
siyana nazvo

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
nyaya dzenyika

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
tafirenyika

haiwaiwa
jojo unozofa

haiwaiwa jojo
unoroyiwa

haiwaiwa
jojo unozofa

haiwaiwa jojo
pasi pedenga

haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
siyana nazvo

haiwaiwa jojo
unozofa

jojo mwanawe
jojo chenjera

jojo mwanawe
jojo chenjera

nzira yawafamba
jojo chenjera

nzira yawafamba
jojo chenjera

nzira yawafamba
haiwaiwa jojo
unozofa

nyaya dzenyika
haiwaiwa jojo
unozofa

nyaya dzenyika
haiwaiwa jojo
unozofa

jojo siyana nazvo
haiwaiwa jojo
unozofa

jojo siyana nazvo
haiwaiwa jojo
unozofa

haiwaiwa jojo
siyana nazvo

haiwaiwa jojo
unozofa

Thursday 21 August 2014

Ndibatsireiwo Ndanzwa - Leonard Dembo

nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nokugaro chema

nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nokugaro chema

pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
kuna ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa

imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
kuna ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

ndokoromoka pamusorosoro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

ndokoromoka pamusorosoro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

huya undinyaradze
isa chiedza kwandiri

ndikakuona zvinondinetsa
ndombozvikanganwa

huya unditurike
chiedza ndamirira

huya ndingokuona zvako
kamwe chete kuhope

ruva rerusununguko
rwemoyo wangu

huya undinyaradze
isa chiedza kwandiri

ndikakuona zvinondinetsa
ndombozvikanganwa

huya unditurike
chiedza ndamirira

huya ndingokuona zvako
kamwe chete kuhope

ruva rerusununguko
rwemoyo wangu

Furuwa Furuwa - Tairos Tendaupenyu & the Rising Power

furuwa furuwa
furuwa furuwawe mwanawe

furuwa furuwa
furuwa furuwawe mwanawe

furuwa furuwa
furuwa furuwawe mwanawe

ndakarota ndinewe
takagara pamusoro pemvura
pamusorosoro penyanza mudiwa

ndakarota ndinewe
takagara pamusoro pemvura
pamusorosoro penyanza mudiwa

ndokurota ndinewe
takagara pamusoro pemvura
pamusorosoro penyanza mwanawe

masaisai egugwa achitisesedza
mawungira emvura kani iri mimanzi

masaisai egungwa achitisesedzawo
mawungira emvura kani iri mimanzi

masaisai egungwa achitisesedzawo
mawungira emvura kani iri mimanzi

hope dzangu furuwa mwanawe
ihope dzakanaka
muchato wedu uchafadza

oooho oho furuwa
aiya ohoho furuwa
oho oho furuwa
oho ohooh furuwa kani
ayeyeye furuwa

chinozivisa vabereki vekwako
neni ndichinozivisa vabereki vanguwo
nehope dzakanaka
muchato wedu uchafadza
ayeyeye furuwa

chinozivisa vabereki vako
neni ndichinozivisa
vabereki vanguwo
nehope dzakanaka
muchato wedu uchafadza

ayeyeye furuwa
ayeye furuwa

Zvaunoda Handizvigone - Leonard Dembo

pano kuti ndiite zvaunoda iwe
handingazvigone zvaunoda iweka

unoda kuti ndiite zvaunoda iweka
zvakandiomera zvaunoda iweka

unoda kuti ndiite zvaunoda iweka
handizvikwanise zvaunoda iweka

unoda kuti ndiite zvaunoda iweka
kwete ini zvandinodawoka

mumwe nemwumwe anoita zvaanokwanisa
kwete nhingi zvaanodaka

mumwe nemwumwe anoita zvaanogona
kwete nhingi zvaanodaka

pano kuti ndiite zvaunoda iweka
handingazvigone zvaunoda iweka

pano kuti ndiite zvaunoda iweka
handingazvigone zvaunoda iweka

pano kuti ndiite zvaunoda iweka
handingazvigone zvaunoda iweka

unoda kuti ndiite zvaunoda iwe
kwete ini zvandinodawo

mumwe nemumwe anoita zvaanokwanisa
kwete nhingi zvaanodaka

mumwe nemumwe anoita zvaanogona
kwete nhingi zvaanodaka

wotobvunza iye waunodana naye
kwete iniwo handingazvigone

wotobvunza dhiya waunodana naye
kwete ini handigazvigone

zvino ndinetsa zvaunoda iwe
kwete iniwo handizvigone

zvakandiomera zvaunoda iwe
kwete inowo handizvigone

wotobvunza iye waunodana naye
kwete ini handingazvigone

imi ndimi munoziva mareswero angu ose
ndichago ndini ndakaitwa materu enyu

imi ndimi munoziva mareswero angu ose
ndichago ndini ndakaitwa materu enyu

kureswa ndekwangu ini
kurera inda inonditsveta ropa

kureswa ndekwangu ini
kusenga inda inonditsveta ropa
bheta kuuraya

ndingaite seiko
ondiurayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

ndiwe chipo here
uchandiurayisa

ndiwe chipo here
uchandiurayisa

ndiwe chipo here
uchandiurayisa

ndiwe chipo here
uchandiurayisa

ndingaite seiko
ondiurayisa

kuve muroora
kuchandiurayisa

ndave mukwasha
zvichandibayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

mai vachipo here
muchandiurayisa

Tinokumbira Kurarama - Leonard Dembo

ndingabude seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingabude seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

panouya wandofungira mweya wakaipa
ndiye akanditadzira ndokumbirawo ararame

panouya wandofungira mweya wakaipa
ndiye akanditadzira ndokumbirawo ararame

ndiri mutadzi panyika anochiva nekuuraya
seakanditadzira ndokumbirawo ndichengetwe

ndiri mutadzi panyika anochiva nekuuraya
seakanditadzira ndokumbirazve ndirarame

ndiyeka rusvova anochema zvomurwadza
tendeuka utarise ndokumbirazve ararame

ndiyeka rusvova anochema zvomurwadza
tendeuka utarise ndokumbiraka ararame

ndinoreurura ini
reurura
reurura ini
reurura
ndinoreurura ini
reurura
kuti ndirarame

vachauya here baba
rinhiiko
vachauya here baba
kuzotinunura

vachauya here baba
rinhiiko
vachauya here baba
kuzotinunura

muchauya here baba
rinhiiko
muchauya here baba
mukati mehondo

muchauya here baba
rinhiiko
muchauya here baba
mukati mehondo

variko here baba
varipiko
vachauya here baba
kuzotinunura

vachauya here baba
rinhiiko
vachauya here baba
kuzotinunura

ndingabude seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingabude seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

ndingapunyuke seiko mune zvakaipa
kunze kwekunamata ndiko kuti ndirarame

Musha Rudzii - Leonard Dembo

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai baba imi
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai sekuru
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai baba imi
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingacheme pwere nhai ambuya
ngachimeze pwere musha umo

musha rudzii usingafare pwere nhai amai
ngadzifare pwere musha umo

harahwa hatichadziziva isu vanaka
chembere hatichadziziva isu vanaka
imhuka rudzii yapinda mumusha muno

magumbuka neiko imi muri baba vemusha
kuita kwepwere kunogumbura regai pfungwa

magumbuka neiko imi muri baba vemuasha
igobvu dete iro randaudzwa navahosi

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai baba imi
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai baba imi
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai sekuru imi
ngairire ngoma musha umo

musha rudziiko usingacheme pwere nhai ambuya
ngachimeze pwere musha umo

musha rudzii usingafare pwere nhai amai
ngadzifare pwere musha umo

magumbuka neiko imi muri baba vemusha
kuita kwepwere kunogumbura regai pfungwa

magumbuka neiko imi muri baba vemusha
igoibvu dete iro randaudzwa navahosi

magumbuka neiko imi muri baba vemusha
kuita kwepwere kunogumbura regai pfungwa

musha rudziiko usingaridzwe ngoma nhai baba imi
ngairire ngoma musha umo

Monday 18 August 2014

Chivaraidze - Zexie Manatsa

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

tauya naye
muroora

tauya naye
uri chivaraidze changuwo

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
uri chivaraidze changuwo

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
ndiri chivaraidzo chakowo

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
ndiri chivaraidzo chako

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
uri chivaraidze changuwe

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
uri chivaraidzo changuwo

muroora
mukadzi wangu

tauya naye
uri chivaraidzo changuwo

muroora
mukadzi wangu

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

chivaraidze
chivaraidze

Ruva Rangu - Pied Pipers

nechirimo wakandivimbisa kuti
tichagara tese
zuva racho ratondinonokera kuti
tigare tese

ruva rangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu
mumwe wangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

ruva rangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu
mumwe wangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

hope mukumuka nemukufara
kana usipo ndinokusuwa
hope mukumuka nemukufara
kana usipo ndinokusuwa

ruva rangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu
mumwe wangu ndiwe chete
ndiwe muridzi wemoyo wangu

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

parunhare mudiwa wangu
ndinonzwa izwi rako
ndichifunga
kwauri kure kure

parunhare mudiwa wangu
ndinonzwa izwi rako
ndichifunga
kwauri kure kure

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

mambakwedza mudiwa wangu
ndinotarisa mufananidzo wako
ndichifunga
kwauri kure kure

parunhare mudiwa wangu
ndinonzwa izwi rako
ndichifunga
kwauri kure kure

Come to me - Michael Lannas

hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

the love i feel for you is higher than any mountain
the love i feel for you is deeper than any sea
There is no way to explain all that I am feeling
There is no way that I could ever make you see

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

look into my eyes and see the pain that I am feeling
the pain I feel for a love I cannot explain
You know my love from the way that I touch you
No one else will ever touch you quite the same

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

Higher than any mountain
Higher than any mountain
deeper than any sea
deeper than any sea

there is no way to explain all that I am feeling
there is no way I could ever make you see

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

come to me
hapana mazwi
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

looking into my eyes you see the pain that I am feeling
hapana mazwi
nguva yapera
the pain I feel for a love I cannot explain
hapana mazwi
mudiwa
hapana mazwi
For a love I can't explain
nguva yapera
hapana mazwi
mudiwa

Sunday 17 August 2014

nditarire - elias musakwa

nditarire
nokufara
nokufara
ishe wangu
ishe wangu
ndimi makazondifira
zondifira
ishe wangu
ishe wangu ma
makasiya
makasiya
denga renyu
denga renyu
muchisiya
muchisiya hupenyu hwako
hupenyu hwako
ndanzwa ruponiso rwako
rwakowo ishe wangu
makasiya denga renyu
ishe wangu
makasiya
makasiya denga renyu
muchisiya hupenyu hwako
ndanzwa ruponiso rwako
rwakowoo
ishe wangu
ishe wangu
ndandirere pane rima
pane rima
ishe wangu
ishe wangu
ndangoenda 

pane rufu
pane rufu
ishe wangu
ishe wangu
dzakauya
dzakauya
nhume dzako
nhume dzako
dzandinzwisa
dzandinzwisa dama rako
dama rako
dzandiudza
tsitsi dzako
dzakowoo
ishe wangu
ishe wangu
dzakauya
dzakauya
nhume dzako
nhume dzako
dzandinzwisa
dzandinzwisa
dama rako

dama rako
dzandiudza
tsitsi dzako
dzakowoo
ishe wangu

ishe wangu
ngandidzinzwe
ngoni dzako
dzakowo
ishe wangu
ishe wangu
ndive muponisa rwako
rwakowo
ishe wangu
ishe
zvakaipa
zvakaipa
ngazvipere
ngazvipere
moyo uve
moyo uve
nohutsvene
nohutsvene
ndinzwe
undireverere
reverere
ishe wangu
ishe wangu
zvakaipa
zvakaipa
ngazvipere
ngazvipere
moyo uve
moyo uve
nehutsvene 

nehutsvene
ndinzwe
undireverere
revererere
ishe wangu

Kangamwiro - Elias Musakwa

ndakakutadzirawo baba
pakufunga kwangu

Ndakakutadzirawo baba
ndabvuma wani jeso

ndakakutadzirawo baba
kuramba kuteerera

ndakakutadzirawo
sajona wako baba

ndakakutadzirawo
kusarirava shoko

ndakakutadzirawo
ndabvuma wani jeso

ndakakutadzirawo
kuramba kuteerera

ndakakutadzirawo
shoko rako jeso mambo

ndakakutadzirawo baba
kuramba kutumwa newe

ndakakutadzirawo baba
sajona wako baba

kangamwiro kangamwiro weee
kangamwiro kangamwiro

kangamwiro kangamwiro
kangamwiro ishe wangu

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

oooh
kangamwiro ishe wangu

kaaanga
kangamwiro kangamwiro

kaaanga
kangamwiro kangamwiro

kaaanga
kangamwiro kangamwiro
kangamwiro ishe wangu

ndakakutadzirawo baba
kuramba kutumwa

ndakakutadzirawo
sajona wako baba

ndakakutadzirawo
kusarirava

ndakakutadzirawo
pisarema rako baba

ndakakutadzirawo
kusamurava

ndakakutadzirawo
johane wako baba

ndakakutadzirawo
kusamurava

ndakakutadzirawo
ruka wako baba

ndakakutadzirawo
kusamurava

ndakakutadzirawo
matio wako baba

ndiri rombe rako wee
ndiri rombe ishe wangu

ndiri rombe rako wee
ndiri rombe ishe wangu

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

ooh
kangamwiro ishe wangu

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

kaanga
kangamwiro kangamwiro

ooh
kangamwiro ishe wangu

kaaanga
kangamwiro kangamwiro

kaaanga
kangamwiro kangamwiro

kaaanga
kangamwiro kangamwiro

ooh
kangamwiro ishe wangu - Kangamwiro (Elias Musakwa)

Friday 15 August 2014

ndaiwana hama - noel zemba

ndaiwana hama
ndaiwana hama
oooh ndaiwana hama
ini ndaiwana hama

ndaiwana hama
ooh ndaiwana hama
ndaiwana hama
ini ndaiwana hama

nhamo nematadziko 
nhamooo
handichina ndave nerugare
 

ndaiwana hama 
hama yangu ndichagara nayo
handichada chimwe chinhu 

asi kutambira pachipfuva chake chete
handichada chimwe chinhu 
asi kutambira pachipfuva chake chete

ndaiwana hama
chokwadi ndaiwana
ini ndaiwana hama

hama ndaiwana
haaaameni ini ndaiwana hama

munhu wandinodisa akandiramba
handichina nebasa nazvo

hama dzose dzikandirasa
handichina nebasa nazvo

shamwari dzose dzikandisiya
handichina nebasa nazvo

nyangwe pasi rose rinditize
handichina nebasa nazvo kwetee

ndaiwana hama
chokwadi ndaiwana
ini ndaiwana hama
haaama 

hama yangu ndijehova 
handichina imwe yakadaro

sungano yangu najehova 
hakuchina imwe yakadaro

nyange ndifambe munzira ine rima
handichina nebasa nazvo

nyangwe ndifambe munzira inobaya
handichina nebasa nazvo

ziso rangu ndijehova
rinoona nzira dzangu dzose

ziso rake jehova
rinoona vanhu vake vose

ndaiwana hama
chokwadi ndaiwana 
ini ndaiwana hama
haaaama

ndaiwana hama
inini ndaiwana hama
haaama

ndaiwana hama
ini ndaiwana hama
chokwadi ndaiwana hama

wondichigara naye
gara naye gara naye

wondichifara naye
fara naye fara naye

iniwo ndichitemba naye 
temba naye temba naye

wondichidada naye 
dada naye dada naye

ndatiwo ndichigara naye
gara naye gara naye

wondichifara naye
fara naye fara naye

iniwo ndichitemba naye
temba naye temba naye

ndatiwo ndichidada naye
dada naye dada naye


mufaro wangu uri kudenga 
pasi pano hapana wakadaro

rugare rwangu ruri kudenga 
pasi pano hapana rwakadaro

ndingashaye pekugara 
handichina nebasa nazvo

ndingashaye chokupfeka
handichina nebasa nazvo

pfuma yangu iri kudenga 
pasi pano hapana yakadaro

musha wangu uri kudenga
pasi pano hapana wakadaro
kweteeee

ndaiwana hama
chokwadi ndaiwana hama
ini ndaiwana hama
haaaama

ndaiwana hama
inini ndaiwana hama
haaama













Rangariro - Noel Zembe

hama zvayanyarara
hazvineika atungamira
kana arara muna kristu
omirira zvake rumuko

uko aenda ikoko
uko kwatisingazive
misodzi yedu
ino sara ichingoyerera

uko aenda ikoko
kure kusingadzokwi
moyo yedu
ino sara ichidzimbikana

zvinotitambudza mupfungwa
tambudza mupfungwa
kuti tichasangana
rinhinko
seiko
kupiko
tichiitei

zvasarira isu vapenyu
zvomufi zvapfuura
matambudzo epanyika
kwaari zvapfuura

yangove rangariro
yangove rangariro
irangariro
irangariro
irangariro
inotibaya moyo

yangove rangariro
yangove rangariro
irangariro
irangariro
irangariro
inoti baya moyo

isu ngatichemei netariro
chemai netariro
chemai netariro
chemai netariro
ngatichemei netariro
rimwe zuva tichasangana

ngatichemei netariro
chemai netariro
chemai netariro
chemai netariro
ngatichemei netariro
rimwe zuva tichasangana


Oooh
ooooh 
oooooo
eeeeee
ishe
 
kana torangarira
zvataiva tose panyika
misodzi yedu 
inoramba ichingoyerera

kana torangarira 
zvataiita tose panyika
moyo yedu 
inoramba ichidzimbikana

uuuuuuuu
aaaaaaa
uuuaaaa

Thursday 14 August 2014

Ndarangarura gamba - Simon Chimbetu

ndarangarira musi watisiya gamba
mwana wenyu amai
amire panguva yakaoma
handikanganwe kwete
ndarangarira musi watisiya gamba
mwana wenyu amai
amire panguva yakaoma
handikanganwe kwete
akasheedzera ndokusheedzera
chionaika comrade
ini ndave neropa pachipfuva
zvino topesana muhupenyu
shinga comrade
akasheedzera ndokusheedzera
chionaika comrade
ini ndave neropa pachipfuva
zvino topesana muhupenyu
shinga comrade
ndarangarirai musi watisiya gamba
mwana wenyu amai
amire panguva yakaoma
handikanganwe kwete
akasheedzera ndokusheedzera
katanurai zvikasha zvangu zvose
muende mberi nehondo
fambai makashinga comrade
muchiti zanu zanu

Pane Asipo - Simon Chimbetu

gungano ramaita iri
pane vamwe vasipo
mabiko ataita aya
pane vamwe vasipo
kuguta kwataita uku
pane vamwe vasina

gungano ramaita iri
pane vamwe vasipo
mabiko ataita aya
pane vamwe vasipo
kuguta kwataita uku
pane vamwe vasina

tatadza kukanganwa isu
kukanganwa takoniwa
tatadza kukanganwa isu
kunganwa takoniwa

jojo akasarako kusango
mollie akasara ikoko
love akasarako kuhondo
jonah akasara ikoko

mweya wadzungaira mweya
mweya wadzungaira
mweya wadzungaira mweya
mweya wadzungaira

mavaudza amai vake here
kuti mwana wenyu akashaikaka
akafira musango kure
nyika dzisina naniwo

mavaudza amai vake
kuti mwana wenyu akashaikaka
akafira musango kure
nyika dzisina naniwo

makumbira kunzinza rake here
kuti tambirai mwana uyu kani
mupei pekugara azorore
igamba rehondo

makumbira kunzinza rake here
kuti tambirai mwana uyu kani
mupei pekugara azorore
igamba rehondo

mweya wadzungaira mweya
mweya wadzungaira
mweya wadzungairai mweya
mweya wadzungaira

makumbira kunzinza rake here
kuti tambirai mwana uyu kani
mupei pekugara azorore
igamba rehondo

mavaundza amai vake here
kuti mwana wenyu akashaikaka
akafira musango kure
nyika dzisina naniwo

makumbira kunzinza rake here
kuti tambirai mwana uyu kani
mupei pekugara azorore
igamba rehondo - simon chimbetu

Ndaremerwa - Simon Chimbetu

Babamukuru ndaremerwa
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


babamukuru honaika
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


babamukuruka ndaremerwa
sunday monday tuesday wedensday thursday friday
mugovera ndaremerwa


kwandinoshanda kure nekwandinogara
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


kumunda kwangu kure nekwandinovata
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


ndini chidziva chepo handina kumwe
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa 


ndini mwana wevhu handina rimwe
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


babamukuru honaika
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


babamukuru ndovapei vana
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


babamukuruka ndaremerwa
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


sunde munde tuesday wednesday thursday friday
sunde munde tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


sunde munde tuesday wednesday thursday friday
sunde munde tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa


Yes one week
chizvara chepo ndini handina kumwe
sunday monday tuesday wednesday thursday friday
mugovera ndaremerwa
babamukuruka ndaremerwa
Rova rova rovaa
Hoya

sara mugomo - Mbira Dzenharira

ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiwo mucheka wakasunga beta vakuru woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndicho chikomo chamakati sekuru woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiro gomo rezhombwe vakuru woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiro maringo woye gushungo woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiro gandamasango vari hwedza woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiro mapfungautsi ambuya woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndiro binga guru mnbizi woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
gomo rembire rine manyinginya


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
mabindipindi marize chikapakapa


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndanzwa ngoma kurira vakuru woye


ndiwe iwe ndiwe iwe
sara mugomo wawega wega
ndanzwa ngoma kurira vakuru woye


simuka mutambe nhai samnyanga awoye
aheha heha ndoenda kuharare


simukai mutambe nhai samaita woye
aheha heha ndoenda harare


simukai mutambe nhai chihera woye
aheha heha ndoenda harare


simukai mutambe nhai samanyanga woye
aheha heha ndoenda harare


simukai mutambe nhai samaita woye
aheha heha ndoenda harare


simukai mutambe nhai tembo woye
aheha heha ndoenda harare


simukai mutambe nhai mukanya woye
aheha heha ndoenda harare


kutambura kwedu ndimi munokuziva waniko
aheha heha ndoenda harare


kutambura kwedu ndimi munokuxiva wani
aheha heha ndoenda harare


kutambura kwedu ndimi munokuziva wani
aheha heha ndoenda harare


zvatichemera ndimi munozviziva wani
aheha heha ndoenda harare - MBIRA DZENHARIRA

Kundiso - Leonard Zhakata

kana iriyo raramiro yacho
marwadzo mupfungwa nepamweya
handigagaro ridza tsamwa
ndoshuwa zororo remwoyo
tenzi ndipeiwo kundiso

kana iriyo raramiro yacho
marwadzo mupfungwa nepamweya
handigagaro ridza tsamwa
ndoshuwa zororo remwoyo
tenzi ndipeiwo kundiso

zvandiremera
ndasimudza maoko
ndapeta muswe
ndazvidukupisa

zvandiremera
ndasimudza maoko
ndapeta muswe
ndazvidukupisa

saka mosara zvakanaka
vakomana imi
ini ndafuratira
machinda

Mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi

mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
vakomana imi
mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira

machinda
mosara zvakanaka
ini ndapira gotsi

hazvineiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiii

kandaka nhonga
moturikawo
kandakakutaka
muchinhonga

kandaka nhonga
moturikawo
kandakakutaka
muchinhonga

chinobhurutruka
chinomhara
asi shungu dzerwizi
rwakazove mvura

chinobhurutruka
chinomhara
asi shungu dzerwizi
rwakazove mvura

angu mashoko
rongedzai
muchazoa dudzura
nerimwe gore

angu mashoko
rongedzai
muchazoa dudzura
nerimwe gore

moona kunatsa
kwangu ndisisipo
asi ndiripo uchinge
mutadzi mukuru

moona kunatsa
kwangu ndisisipo
asi ndiripo uchinge
mutadzi mukuru

nerangu izwi
ngaripinde munzeve
mogoripawo
pekugara muhana

nerangu izwi
ngaripinde munzeve
mogoripawo
pekugara muhana

hazvineiiiiiiiiiiiiiii

vakomana imi
mosara zvakanaka
machinda
ini ndafuratira

mosara zvakanaka
pamusha pano
ini ndafuratira
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
mumweya nemuzvokwadi
ini ndapira gotsi
vakomana imi

mosara zvakanaka
zvakanaka
ini ndafuratira
pamusha pano
mosara zvakanaka
zvakanaka ini ndapira gotsi

hazvineiiiiiiiiiiiiiiii
tarisiro hadzisi dzose dzinobuda
ndizvo zvinoita hupenyu
tarisiro hadzisi dzose dzinobuda
ndizvo zvinoita hupenyu

panokonwa chiremba
murapwi achida
zvakaoma
sekufema mumvura

panokonwa chiremba
murapwi achida
zvakaoma
sekufema mumvura

tushomatwo twandaona
netushomatwo twandabata
tushomatwo twandaona
netushomatwo twandabata

ndototenda kumatenga
sokuti handina chekutonga panyika
ndototenda kumatenga
sokuti handina chekutonga panyika

ini ndine huranda
husina magumo
ndotochema kumatenga
ndati ndine huranda
husina magumo

ndotochema kumatenga
baba nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema

baba nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema
tenzi nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema

tenzi nditumireiwo manera
ndogokwira nyore makata anorema
hazvineiiiiiiiiiiiiiiiiiiii - Leonard Zhakata