Wednesday 5 December 2018

Winky D ft Vabati VaJehova - Dzika Ngirozi

dzika dzika ngirozi
dzika dzika ngirozi
dzika tiwanire nyasha
moyo wekubereka
zvino wandiremera
zvinondibaya pahana
pandinotarisa vana
pfungwa dzotenderera
misodzi yoyerera
zvinondibaya pahana
pandinotarisa vana
ndaiti zvimwe
ichadzika ngirozi
ichadzimura ngozi
ichandiwanira nyasha
aiwa ndatsikwa konzi
dzika dzika ngirozi
dzika dzimura ngozi
dzika ndiwanire nyasha
aiwa ndatsikwa konzi
ndatenderera posikidhi
ndafamba mama era
ndateketera
ndatsika kunyangwe panonyera
zvenyama zvaramba
mweya tungamira vana zvovofamba
kanda makwati povoshanda
vasunungure muhuranda
hona votiza musha
tande musango
hanzi hakuna kusiri kufa
vofira musango here
senge vasina musha
ndaiti zvimwe
ichadzika ngirozi
ichadzimura ngozi
ichandiwanira nyasha
aiwa ndatsikwa konzi
dzika dzika ngirozi
dzika dzimura ngozi
dzika ndiwanire nyasha
aiwa ndatsikwa konzi
nhamo yangu ndeyekubereka vana vandisisa one
vangove fararira nenyika hanzi hatingazvigone
ndakaberekera gejo saka ndasiyanei nemombe
vari kumhanyisana nemabasa kuda kudzinga hurombe
ndosiva ona kuhope vari pamushandi haiwa hadzisi nyope
kubva mangwannai vari pandima dzamara kudoke
ndaiti zvimwe
ichadzika ngirozi
ichadzimura ngozi
ichandiwanira nyasha
aiwa ndatsikwa konzi
dzika dzika ngirozi
dzika dzimura ngozi
dzika ndiwanire nyasha
aiwa ndatsikwa konzi




Sunday 2 December 2018

Jah Prayzah - Sarai

ndinomboringa kumabvazuva
zuva parino buda
ndinokaruka rave rimwe zuva
pasina andipindura

dzakaenda dzakarova hama
hakuna akadzoka
takangodyara hama kunge mbeu
dzisingazombobuda

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
nyama ichaorera muguva
mweya uchasimudzira nguva

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuonekana

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

inzwai waro
inzwai mhere kurira
inzwai waro

inzwai waro
inzwai mhere kurira
inzwai waro

musiyano uri pazuva rekufa
musiyano
musiyano uri pazuva rekufa
musiyano

takangomirira nguva
ndinamatirei
takamirira nguva
nguva ndizive
takangomirira nguva

samatenga kana mouya
takamirira nguva
monditora ndirere
takangomirira nguva

muripo pachigaro cheushe
takamirira nguva
ndokuona mugere
takangomirira nguva

haaa ishe
takamirira nguva
nguva ndizive
dzingori ngoni dzinoburuka kudai
nguva ndizive
dzingori ngoni dzinoburuka kudai
nguva ndizive

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

ishe mukatora vana vangu dzichingori pwere mandiramba
shamhu yamunenge mandirova nayo ine minzwa inobaya
zvamunenge mandipinza mudziva remisodzi humwayamwaya
zvamunenge mandinyudza pfumo muhana hubayabaya

kumbira
ndokumbira mazuva changamire
kumbira
handeya ndeya ndeya

ndipei makore changamire
kumbira
handeya ndeya ndeya
zuva rekuenda richauya
kumbira

ndichangokusiyawo uchindida
vachanongedzerana vakauraya
kumbira
kana wandisiya ndichikuda

uvataurire vachandiroya
kuti kuchauya vachavaroya
asi uvaudze vachandibaya
kuti kune pfumo richavabaya

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuoneka

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuoneka

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuonekana




Jah Prayzah - Dzamutsana

kubvira kare ndichikuda
asi baba vako vakandizonda
ndandichiringa
zvakangodaro ndaigogodza
ndandichiringa
dakara mai vangu vazovhunza
ndandichiringa
ndairinga nyangwe pose pawaitsika
ndandichiringa
kusvikira nyamatsatse zvayadzika
ndandichiringa
dzaimira kufunga njere kurasika
ndandichiringa
dakara mai vangu vazobvunza
ndandichiringa
unombodei zvaunoonda
unombonzwei paunomuona
chingogashira kuti zvakakona
zvimwe kuda rimwe zuva uchamuona
dzamutsana mutsanawe tsuro nembwa
dzamutsana mutsana
dziri kungotenderera sango reuzumba
dzamutsana mutsana
ndizvo zvandakagara ndavaudza
dzamutsana mutsana
kuti ndinoroora ndasarudza
dzamutsana mutsana
inga ndochirwere chanditambudza
dzamutsana mutsana
manhondo wenhandowe pururudza
dzamutsana mutsana
hoino ndochihombe ndotange kudzana
daira ukandinda ndichakurera
dzamutsana mutsana
chinondishungurudza ironda
dzamutsana mutsana
kuti moyo wangu dai wazorora
dzamutsana mutsana
mitoro yangu yose turuka
dzamutsana mutsana
daira ukandida ndichakurera
dzamutsana mutsana
moyo unodisa kuti tose titambe
chiteketeke
gwaro rerudo rinoti 
ngatifambe pamwe chete
zuva ravira uchandiona ndava
muberere
tichifamba, tichitamba, tichitsikinya
muzerere
shaina tione uchiri mhandara
uchiri mhandara
osarudza karokwe kanoti mbamabamba
ayoyoyoyo
shaina tione uchiri mhandara
uchiri mhandara
osarudza karokwe kanoti mbambamba
ayoyoyoyo
famba seunonyura
shaina tione
ita kakutsenga mvura
uchiri mhandara
ndanga ndichiringa
ndaswera mujinga
ndanga ndichiringa
urimo munzira yekutsime
ndichiringa
pandangokuona kunzwa ropa mutsinga
ndandichiringa
pawangonyemwerera ndabuda ziya
ndandinchiringa
ndanga ndichiringa ndaswera mujinga
ndangaichiinga
wakasenga svinga
ndanga ndichiringa
uchienda nedhongi kuchigayo
ndandichiringa
unombodei zvaunoonda
unombonzwei paunomuona
chingogashira kuti zvakakona
zvimwe kuda rimwe zuva uchamuona
dzamutsana mutsanawe tsuro nembwa
dzamutsana mutsana
dziri kungotenderera sango reuzumba
dzamutsana mutsana
ndizvo zvandakagara ndavaudza
dzamutsana mutsana
kuti ndinoroora ndasarudza
dzamutsana mutsana
inga ndochirwere chanditambudza
dzamutsana mutsana
manhondo wenhandowe pururudza
dzamutsana mutsana
hoino ndochihombe ndotange kudzana
uchazongovanzwa voudzana udzana
chinondishungurudza ironda
dzamutsana mutsana
kuti moyo wangu dai wazorora
dzamutsana mutsana
mitoro yangu yose turuka
dzamutsana mutsana
daira ukandida ndichakurera
dzamutsana mutsana






Jah Prayzah - Chikomo

nhamo dzangu munodziziva ndabvisa shangu 
zvese nenhamo dzangu ndasiya pano
ndasiya pano ndizwe chirau moyo une udzamu
hoo baya wabaya
chirau moyo une udzamu mambo
dziriko mhandu dziri mushure mangu munodziziva
mhandu dziri mushure mangu mambo
vanoda nhau dzokuparara kwangu vopemberera
tirimo tirimo muchikomo tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo zvirimo mumoyo zvamunoita baba zvakaoma
tirimo tirimo tirimo muchikomo tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo mumoyo zvamunoita baba zvakaoma
ndauyawo kusungano moyo wangu unoda runyararo
ndauyawo kusungano moyo wangu unoda runyararo
anomboguma mazano aya
anombopera mazano angu
munoda ndigare pajoko rouranda here?
ndodeedza mukomana mwana wamai Maria here?
ndoenda nengoor yemoto naeriya here?
hiya hiya zvichaguma
tirimo tirimo muchikomo tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo zvirimo mumoyo zvamunoita baba zvakaoma
tirimo tirimo tirimo muchikomo tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo mumoyo zvamunoita baba zvakaoma
denga rina mambo
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
denga rina
mambo
tirimo tirimo muchikomo 

tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo zvirimo mumoyo 

zvamunoita baba zvakaoma
tirimo tirimo tirimo muchikomo

tiri kunyengetera misodzi mokoto
zvirimo zvirimo mumoyo 

zvamunoita baba zvakaoma

Leonard Dembo - Ndibatsireiwo Ndanzwa

Nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nekugaro chema

Nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nekugaro chema

Pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

Pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

Imi munoramba kundibatsira mune zvinonetsa
kuna Ruramai munobatsira musina kumbokumbirwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndandaidzira nemisodzi ndanzwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndandaidzira nemisodzi ndanzwa

Ndokoromoka pamusoro soro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

Ndokoromoka pamusoro soro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

huya undinyaradze isa chiedza kwandiri
ndikangokuona zvinondinetsa ndombokanganwa

huya undinyaradze isa chiedza kwandiri
ndikangokuona zvinondinetsa ndombokanganwa

huya unditurike chiedza ndamirira
huya ndingokuona zvako kamwe chete kuhope
ruva rerusunguko rwemoyo wangu