Thursday 21 August 2014

Ndibatsireiwo Ndanzwa - Leonard Dembo

nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nokugaro chema

nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
muzukuru wenyu ndatambura wani nokugaro chema

pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

pokugara chaipo chaipo panondinetsa
mwana wenyu ndatambura nemisodzi pamatama

imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
kuna ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa

imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
kuna ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

hembe chaiyo imwe chete chioma ndikupfeke
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

ndokoromoka pamusorosoro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

ndokoromoka pamusorosoro pegomo
varumewe huyai mundichingurewo ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
inga wani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

huya undinyaradze
isa chiedza kwandiri

ndikakuona zvinondinetsa
ndombozvikanganwa

huya unditurike
chiedza ndamirira

huya ndingokuona zvako
kamwe chete kuhope

ruva rerusununguko
rwemoyo wangu

huya undinyaradze
isa chiedza kwandiri

ndikakuona zvinondinetsa
ndombozvikanganwa

huya unditurike
chiedza ndamirira

huya ndingokuona zvako
kamwe chete kuhope

ruva rerusununguko
rwemoyo wangu

No comments:

Post a Comment