Thursday 23 October 2014

ndega ndega (taive gumi nevaviri) - Ambuya Madhuve version


taive gumi nevaviri
tichibva kumoza
vamwe ndokudyiwa neshumba
ini ndikaponera mumuti

seshamwari dzepamoyo
shamwari dzeropa
pandakadzika mumuti
ndokutanga kushevedza

ko mabhunu aenda nepi
havanga daire
ko masango aenda nepi
havanga daire

inga vakomana nguva yapera
hapana mhinduro
ndafamba chinhambwe
ndokuona makomo

iri nzvimbo yaityisa
zvino ndarangarira magamba
andanga ndinavo
oh vapera kufa

midzimu yemuno mandirasa
kundisiya ndega ndega
senzungu yakadonha panzira
inga ndasara ndegani

mhondoro dzemuno mandiramwa
kundisiya ndega ndega
senzungu yakadonha panzira
inga ndasara ndega ndega

nhai ndasara ndega ndega
nhai ndasara ndega ndega
nhai ndasara ndega ndega
nhai ndasara ndega ndegane

taive gumi nevaviri
tichibva kumoza
vamwe ndokudyiwa neshumba
ini ndikaponera mumuti

seshamwari dzepamoyo
shamwari dzeropa
pandakadzika mumuti
ndokutanga kushevedza

ko mabhunu aendanepi
havanga daire
ko masango aendanepi
havanga daire

inga vakomana nguva yapera
hapana mhinduro
ndafamba chinhambwe
ndokuona makomo

iri nzvimbo yaityisa
zvino ndarangarira magamba
andanga ndinavo
oh vapera kufa

midzimu yemuno mandirasa
kundisiya ndega ndega
senzungu yakadonha panzira
inga ndasara ndegani

mhondoro dzemuno mandiramwa
kundisiya ndega ndega
senzungu yakadonha panzira
inga ndasara ndega ndega

nhai ndasara ndega ndega
nhai ndasara ndega ndega
nhai ndasara ndega ndega
mhai ndasara ndega
ndegande

vamwe vangu vakafa shuwa
vamwe vangu vakafa shuwa
ndekusara ndega musango
ndega ndega ndega

vamwe vangu vakafa shuwa
vamwe vangu vakafa ini
ndekusara ndega musango
ndega ndega ndega

vamwe vangu vakafa shuwa
vamwe vangu vakafa shuwa
ndekusara ndega musango
ndega ndega ndega

vamwe vangu vakafa shuwa
vamwe vangu vakafa shuwa
ndekusara ndega musango

hona akomana
ndega munzira
hona akomana
ndega munzira

hona akomana
ndega munzira
hona asikana
ndega munzira

ndiri ndega ndega ndichiuya
ndega munzira
ndiri ndega ndega ndichiuya
ndega munzira

ndiri ndega ndega ndichiuya
ndega munzira
ndiri ndega ndega ndichiuya
ndega munzira

taive gumi nevaviri
ndega munzira
tichibva moza
ndega munzira

vamwe vakarumwa nenyoka
ndega munzira
ini ndokuponera mumuti
ndega munzira

vamwe vakadziywa neshumba
ndega munzira
hona masango anoera
ndega munzira

mhondoro dzemuno mandirasa
ndega munzira
aha

No comments:

Post a Comment