Sunday 2 December 2018

Jah Prayzah - Sarai

ndinomboringa kumabvazuva
zuva parino buda
ndinokaruka rave rimwe zuva
pasina andipindura

dzakaenda dzakarova hama
hakuna akadzoka
takangodyara hama kunge mbeu
dzisingazombobuda

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
nyama ichaorera muguva
mweya uchasimudzira nguva

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuonekana

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

inzwai waro
inzwai mhere kurira
inzwai waro

inzwai waro
inzwai mhere kurira
inzwai waro

musiyano uri pazuva rekufa
musiyano
musiyano uri pazuva rekufa
musiyano

takangomirira nguva
ndinamatirei
takamirira nguva
nguva ndizive
takangomirira nguva

samatenga kana mouya
takamirira nguva
monditora ndirere
takangomirira nguva

muripo pachigaro cheushe
takamirira nguva
ndokuona mugere
takangomirira nguva

haaa ishe
takamirira nguva
nguva ndizive
dzingori ngoni dzinoburuka kudai
nguva ndizive
dzingori ngoni dzinoburuka kudai
nguva ndizive

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

ishe mukatora vana vangu dzichingori pwere mandiramba
shamhu yamunenge mandirova nayo ine minzwa inobaya
zvamunenge mandipinza mudziva remisodzi humwayamwaya
zvamunenge mandinyudza pfumo muhana hubayabaya

kumbira
ndokumbira mazuva changamire
kumbira
handeya ndeya ndeya

ndipei makore changamire
kumbira
handeya ndeya ndeya
zuva rekuenda richauya
kumbira

ndichangokusiyawo uchindida
vachanongedzerana vakauraya
kumbira
kana wandisiya ndichikuda

uvataurire vachandiroya
kuti kuchauya vachavaroya
asi uvaudze vachandibaya
kuti kune pfumo richavabaya

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

famba zvakanaka
mweya wakachena
sarai zvakanaka
tosangana pakudenga

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuoneka

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuoneka

makativimbisa kuti tikauya
muchatigarisa kune ndarama
asi tichaenda tisina kuonekana




1 comment: